[Intro: Winky D]

Ga-ga-gafa

ChiExtraterrestrial

Mwana akabvunza chihonest question baba namai vakatandara

Hapana akamupindura


[Chorus: Winky D]

Daddy maiitei?

Vamwe vachitenga dzimba nemakambani?

Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani?

Zvondopfeka hembe isina mabutton

Yoyoyoyoyo maiitei?


[Verse 1: Winky D]

Ichasvika nguva yokuti vana vachada kutibvunza zvinhu zvakawanda

Tichawanikwa tichiva tinotiza asi chokwadi hakuna kwatichanohwanda

Vachada kuona zvatakashanda

Pamwe chete nenzira dzatakafamba

Ngative tinodzichenesa nzira dzedu kuti mangwana zvotaurwa tisazviramba

Zvino gumbura kuti ndaikwanisa asi pane pandakavairarwa

Ngatisava tinoyeuka bako mushure mokunge tanaiwa

Nguva yacho ndiyoyi vakachenjera vachagara vateya riva

Iwe teya rako, mwana agoziva


[Chorus: Winky D]

Daddy maiitei?

Vamwe vachitenga dzimba nemakambani?

Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani?

Zvondopfeka hembe isina mabutton

Yoyoyoyoyo maiitei?


[Verse 2: Winky D]

Zvingori better kuti mwana angogara achiziya kuti daddy vangu vanotrya

Ingori nguva nemukana zviri kutadza kusangana pane madhiri avanofire

Pane kuti mwana ati kana ari madhiri emari daddy vangu vakaretire

Ndinozviziva hongu kuti zvinhu zvakaoma asi ndoramba ndichiti chingo aima higher

Mikana inosiyana asi kune mwana ndichazonozvitsanangura sei?

Anozvinzwisisa here, ndaishanda siku nesikati mwedzi wese pasina pay?

Kubasa vachipa maenvelop kumba nemalandlord gaya taitarisana sei

Zvinotonetsa kutsanangura, eh


[Chorus: Winky D]

Daddy maiitei?

Vamwe vachitenga dzimba nemakambani?

Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani?

Zvondopfeka hembe isina mabutton

Yoyoyoyoyo maiitei?

Daddy maiitei?

Vamwe vachitenga dzimba nemakambani?

Vamwe vachimhanya kubasa mangwanani?

Zvondopfeka hembe isina mabutton

Yoyoyoyoyo maiitei?