Released on September 6, 2007

Thumbnail

[Verse 1: Alick Macheso]

Murume kana uchinge washinga kuroora chiziva kuti mukadzi ndewako, (usamboshungurudza kumurwadzisa kusvika pakufunga kuti ko ndasiyana, nezvandaive ndiri here kare, ko kunge kusema kwabvepikozve?)

Murume kana uchinge washinga kuroora chiziva kuti mukadzi ndewako, (usamboshungurudza kumurwadzisa kusvika pakufunga kuti ko ndasiyana, nezvandaive ndiri here kare, ko kunge kusema kwabvepikozve?)

[Verse 2: Alick Macheso]

Vana baba tinokakanganwa kuti unhu hwedu naivo madzimai hwakasiyana, (wototora mukana sekuti amai vanoyamwisa, pfungwa nemeso huona sekunge vatokwegura, rudo rwakare ruye makavigepi?)

Vana baba tinokakanganwa kuti unhu hwedu naivo madzimai hwakasiyana, (wototora mukana sekuti amai vanoyamwisa, pfungwa nemeso huona sekunge vatokwegura, rudo rwakare ruye makavigepi?)

(Vhukunyurai, maiwee rubude pachena hoo)

(Vhukunyurai, maiwee rubude pachena hoo)

[Verse 3: Alick Macheso]

Makore mangani amagara muri baba namai, dai asingade dai akaenda zvichangotanga

Zvimwe tisu varume tinokonzera mabasa erima

Makore mangani amagara muri baba namai, dai asingade dai akaenda zvichangotanga

Zvimwe tisu varume tinokonzera mabasa erima

[Verse 4: Alick Macheso]

Mudzimai anokura rumwechete kana ada anopa rudo akaperera, kwauri iwe

Mudzimai anokura rumwechete kana ada anopa rudo akaperera, kwauri iwe

Musikana anokura rumwechete kana ada anopa rudo akaperera, kwauri iwe

[Pre-Chorus: Alick Macheso]

Kana wamudaro achafunga zvipi

Semukadzi wako, iye wawakashara kunyangwe murudo, wotomutasanura sei?

[Pre-Chorus: Alick Macheso]

Kana wamudaro achafunga zvipi

Semukadzi wako, iye wawakashara kunyangwe murudo, wotomutasanura sei?, (odiniko mumwe wangu?)

Vanamaihwe, (nguva ndiyoi)

Vanamai, (nguva ndiyoi)

Vanamaihweee, (nguva ndiyoi)

Ratidzai, (nguva ndiyoi)

Varume ndevenyu, (nguva ndiyoi)

Vanababa, (nguva ndiyoi)

Vanababa-hwee, (nguva ndiyoi)

Ratidzai, (nguva ndiyoi)

Madzimai ndenyu, (nguva ndiyoi)

Chikomana, (nguva ndiyoi)

Chikomana-hwee, (nguva ndiyoi)

Ratidzawo, (nguva ndiyoi)

Musikana ndewako-ooo

[Alick Macheso Lead Guitar Solo]