Released on July 12, 1999

Thumbnail

[Verse 1: Macheso]

Mazano chitubu, Simba mukaka hatingakame su mombe tikadzipedza

Mwari vanoziva ruramo yazvo kwete venyama

[Verse 2: Macheso]

Mazano chitubu, Simba mukaka hatingakame su mombe tikadzipedza

Mwari vanoziva ruramo yazvo kwete venyama

[Verse 3: Macheso]

Tinozviziwa kakara kununa hudya kamwe asi hazvina kunaka hamadzangu (idya chako wega cheziya)

Kwete cheruzhinji ngozi yawapara

[Verse 4: Macheso]

Tinozviziwa kakara kununa hudya kamwe asi hazvina kunaka hamadzangu (idya chako wega cheziya)

Kwete cheruzhinji ngozi yawapara

[Verse 5: Macheso]

Kana kaguta kanozobuda pachena weruzhinji oziva hama dzangu we takashandiswa (kana nguva iripo)

Ototora mukana wekushandira zvako zvisina bopoto

[Verse 6: Macheso]

Kana kaguta kanozobuda pachena weruzhinji oziva hama dzangu we takashandiswa (kana nguva iripo)

Ototora mukana wekushandira zvako zvisina bopoto

[Chorus: Macheso]

Simba mukaka unokamwa uchisisa waniii

Mazano chitubu unochera chichisinina wanii

Maoko maranda hama dzangu tisambo chema

Tingangorwadziwa nazvo sei vamwe vaguta kare

Hatingazive zvimwe ndimwari vaita zvidaro

Varipo vakapfuma vakabva mukushandiswa

[Chorus: Macheso]

Simba mukaka unokamwa uchisisa waniii

Mazano chitubu unochera chichisinina wanii

Maoko maranda hama dzangu tisambo chema

Tingangorwadziwa nazvo sei vamwе vaguta kare

Hatingazive zvimwe ndimwari vaita zvidaro

Varipo vakapfuma vakabva mukushandiswa