[Verse 1: Alick Macheso]
Nhai baba vasandy munodarirei pamberi pevana
Vana vanoziva musiyano wekufara nekusuwa
Vana vanoti kudiiko nazvo (Vana vanoti kudiiko)
Vana vanoti kudiiko nazvo (Vana vanoti kudiiko diiko nhai)
[Verse 2: Alick Macheso]
Imi baba vevana manyepoiko asingaperi
Kubasaiko kwamunouya isu vamwe tatorara
Pamunouira kumba tototi maihwee vauya
Yuhwi vana ava Amai, tavakanganisa, pfungwa toga toga
Tavakanganisa, yuhwiii vana ava amai
Tavakangaisa, pfungwa toga toga (Tavakanganisa)
[Verse 3: Alick Macheso]
Varope sure here vana vakatarira
Chidzidzoiko chavachadzidza kubva kwatiri
Pavanodzokera zvonzi vana ava hapana dzinza
Tose tichati kudiiiko nazvooo (Tose tichati kudiiko)
Vanambuya vachati kudiiko (Vana mbuya vachati kudiiiko nazvo)
Vehukama vachati kudiiiko nazvo (Vehukama vachati kudiiiko diiko nhai)
[Verse 4: Alick Macheso]
Zvimwe hazvibvire kurevaaaa, (Pamberi pevana)
Zvimwe hazvibvire kutaura, (Tavapariraka)
Zvimwe hazvibvire kurevaaaa, (Pamberi pevana)
Zvimwe hazvibvire kutaura, (Tavapariraka)
[Verse 5: Alick Macheso]
Bopoto pamba rinoita kuti mhuri ishungurudzike, (Pose paari unomuona anyerere)
Bopoto pamba rinoita kuti mhuri ishungurudzike, (Chero kuchikoro unomuona nekusuwa)
Sandy naye anofanogashira baba vabve kubasa, (Vasvikaa nguva dziripo)
Sandy nayе anofanogashira baba vabve kubasa, (vauya nguva dziripo)
[Verse 6: Alick Macheso]
Vauya vauya babaaaa, vauya baba ohhhh vauya vauya, (zvihwitsi muhomwe)
Vauya vauya babaaaa, vauya baba ohhhh vauya vauya, (vane bеpanhau)
Vauya vauya babaaa, vauya baba ohhhh vauya vauya, (tunonaka parutivi)
[Verse 7: Alick Macheso]
Mari tingavapa zvedu harusi rudo, mari tingavapa zvedu harusi rudo
Zvitsvene tingavapa zvedu rudo rwuhombe, zvitsvene tingavapa zvedu rudo rwuhombe (asi)
Vana ava (vana), rudo rwedu (rudo rwedu), vagoziva tine vabereki (baba varipo)
Vana ava (vana), rudo rwedu (rudo rwedu), vagoziva tine vabereki (amai varipo)
Vana ava (vana), rudo rwedu (rudo rwedu), vagoziva tine vabereki (baba varipo)
Vana ava (vana), rudo rwedu (rudo rwedu), vagoziva tine vabereki (tose tiripo)