Released on March 21, 2016

Thumbnail

[Verse 1: Alick Macheso]

Baba imi baba vangu, mune idi nezvamakaita here? (imi baba mune idi nezvamakaita here?)

Nekuti ini semwana handingazive zvakaita kuti muparadzane (ini semwana ndingaziveiko)

Dambudziko ramakasiya kunamai rakava guru kwazvo (nhai baba kuna mai voga)

Makavasiya vane pamuviri chokwadi nhai baba imi (nhai baba mungadaro here?)

Kusvika mukuzosungukwa kwangu ndizove pano panyika (kusunungukwa kwangu ndizove pano panyika)

Kutumidzwa zita imi musipo kuita semakafa bambo vanguwe (kufa kana kuva mupenyu asi ndataura)

Zvichakadaro ndinoturira zvitadzo zvose kwamuri baba imi (zvitadzo zvose baba, zvinoturirwa kwamuriwee)

Nokuda kwekuti ndimi makawana amai ivo ivava (makawana amai ivo ivana)

Hamuna kutumwa nemunhu asi makatumwa nerudo rwenyu (rudo rwenyu rwepamoyo nhai baba)

Tikatarisa nemanetsero anoitwa nemwana mucheche (mhai, mhai, amai voga)

Nekuzorwara kwese kuye kunoitwa nemwana muchechе (amai, mhai, amai voga)

Nekuzoshanda kwese kwavakaita kuti vandiriritirе (kumaricho amai nekumisika)

Dzimwe dzenguva amai vaishanda vachipiswa nezuva (kumaricho amai nekumisika)

Dzimwe dzenguva amai vaishanda vachinaiwa nemvura (kumaborder kumaricho amai nekumisika)

Nemwana kumusana achichema, muchisasana baba (muchisasana baba hamuna tsitsiwee)

Mai vakaramba sarudzo kuti iri basa handirigone (mai vakaramba sarudzo kuti iri basa yave)

Chandinongonda chete kuti ndiwane kuyarutsa vana vangu (mwana wangu iyeyu uchava muchengeti wamangwana)

Munoona matambudziko amakasiya kunamai (amakasiya kunamai voga nhai baba)

Chokwadi hama nemadzisahwira vakawanda chiswedzo chezuva (havana kuda kuita chivi chivi chezvakaipa)

Mhai vakati sekai revai muchaneta zvenyu (asi Mhai vakati sekai revai muchaneta zvenyu)

Asi mai vakati taurai, nyeyai muchaneta zvenyu veduweee

[Verse 2: Alick Macheso]

[Verse 3: Alick Macheso, Zhilli Mumbamulapi & Wilson Meka]

Chokwadi vabereki musadaro kuvana vedu ava

Nokuti ramangwana hatizive richazovei

Chokwadi ivava vana ava, ndivo vachatichengeta

Chokwadi ivava vana ava, ndivo vachatichengeta yeeeehyehh

[Verse 4: Alick Macheso]

Mazibambo atu, bwanji osakumbuka sakumambuyo azanga muna siya vana, kusiya vana, navhutika, kusiya vana monga ana masiye

Opita kusikuru anganga okansabuto

Kurova chimbuzi amangoponya ponde ngonye

Vana baba woye, sei tisingarangarire, zvekwatakabva kuti takasiya vana

Kusiya vana, vachinetseka, kusiya vana senge vana nherera

Pakuenda kuchikoro, asina shangu, kupinda muchimbudzi, aingotsika honye